Luke 15:4 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndianiko kwamuri unamakwai anezana, kana akarashikirwa nerimŋe rawo, uŋgasasiya makumi mapfumbamŋe namapfumbamŋe murenje, akateʋera rakarashika kuȿikira ariwana?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Ndianiko pakati penyu kana ane makwai zana, rimwe racho kana rikarasika, asingasiyi makumi mapfumbamwe namapfumbamwe kumafuro achindotsvaka gwai rakarasika kusvikira ariwana?
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Ndoupi munhu pakati penyu anenge ane zana rehwai, akarasa imwechete yadzo, asingasiyi makumi mapfumbamwe ane pfumbamwe kumafuro achienda kundotsvaka yakarasika iya kusvikira aiwana?
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Ndianiko kwamuri anamakwai ane zana, kana akarasikirwa neimwe yadzo, angasasiya makumi mapfumbamwe namapfumbamwe murenje, akatevera rakarasika kusvikira ayiwana?
Shona 2009?
Ndoupi munhu kwamuri ungati anamakwai anezana, kana akarashikirwa nerimwe rawo, ungasasiya makumi mapfumbamwe namapfumbamwe murenje, akatevera rakarashika kusvikira ariwana?
Shona SUB 2002 Bible
“Ndianiko kwamuri anamakwai ane zana, kana akarasikirwa neimwe yadzo, angasasiya makumi mapfumbamwe namapfumbamwe murenje, akatevera rakarasika kusvikira ayiwana?