Luke 15:6 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kana aȿika kumusha, unokokera shamŋari dzake naʋakaʋaka naye, akati kwaʋari: Farai neni, nokuti ndawana gwai raŋgu rakaŋga rakarashika.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
agoenda kumba. Ipapo anodana shamwari dzake navavakidzani pamwe chete agoti kwavari, ‘Farai pamwe chete neni nokuti ndawana gwai rangu rakanga rarasika.’
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Paanosvika kumusha anodaidza shamwari dzake navavakidzani vake ovati, ‘Farai pamwechete neni nokuti ndawana hwai yangu yakanga yarasika.’
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kana asvika kumusha, anokokera shamwari dzake navavakidzani naye, achiti kwavari, ‘Farai neni, nokuti ndawana hwai yangu yakanga yakarasika.’
Shona 2009?
Zvino kana asvika kumusha, unodanira pamwechete shamwari navavakidzani, achiti kwavari: Farai neni, nokuti ndawana gwai rangu rakanga rakarashika.
Shona SUB 2002 Bible
Kana asvika kumusha, anokokera shamwari dzake navavakidzani naye, achiti kwavari, ‘Farai neni, nokuti ndawana hwai yangu yakanga yakarasika.’