Luke 15:8 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndoupiko mukadzi unamadrakema anegumi, kana arashikirwa nerimŋe, uŋgarega kutuŋgidza mŋenje, akatȿaira imba, akatȿakisisa, kuȿikira ariwana?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Ndoupiko mukadzi ane mari yamasirivha anokwana gumi uye akarasikirwa neimwe chete angarega kubatidza mwenje, agotsvaira imba uye agotsvakisisa kusvikira aiwana here?
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Kana kuti ndoupi mudzimai anenge ane mari chena yamadhirakima gumi, akarasa rimwechete rawo; haabatidzi mwenje here achitsvaira imba nokutsvagisisa mari iyoyo kusvikira aiwana?
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Ndoupiko mukadzi ana madhirakema ane gumi, kana arasikirwa nerimwe, angarega kutungidza mwenje, akatsvaira imba, akatsvakisisa, kusvikira ariwana?
Shona 2009?
Kana ndoupiko mukadzi unamakobiri gumi esirivha, kana arashikirwa nekobiri rimwe, usingatungidzi mwenje, akatsvaira imba, akatsvakisisa kusvikira a\add ri\add*wana?
Shona SUB 2002 Bible
“Ndoupiko mukadzi ana madhirakema ane gumi, kana arasikirwa nerimwe, angarega kutungidza mwenje, akatsvaira imba, akatsvakisisa, kusvikira ariwana?