Luke 16:1 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino wakati ʋo kuʋadzidzi ʋake: Kwakaŋga kunomufumi, waiʋa nomutariri; iye akacerwa kwaari, ɀicinzi unoparadza fuma yake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jesu akatiwo kuvadzidzi vake, “Kwakanga kuno mumwe murume mupfumi aiva nomutariri akanga achipomerwa mhosva yokuparadza pfuma yake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jesu akatiwo kuvadzidzi vake. “Kwaiva nomumwe murume mupfumi aiva nomutariri. Akacherwa kwaari kuti murume uyu akanga achimuparadzira zvinhu zvake.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino wakatiwo kuvadzidzi vake, “Kwakanga kuno mupfumi, aiva nomutariri; iye akacherwa kwaari, zvichinzi anoparadza pfuma yake.
Shona 2009?
Zvino wakativo kuvadzidzi vake: Kwakanga kuno mumwe munhu mufumi, waiva nomutariri; iye akapomerwa kwaari, sounoparadza fuma yake.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino wakatiwo kuvadzidzi vake, “Kwakanga kuno mupfumi, aiva nomutariri; iye akacherwa kwaari, zvichinzi anoparadza pfuma yake.