Luke 16:13 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Hakunomuranda uŋgagona kuɓatira ʋatenzi ʋaʋiri: nokuti ucaʋeŋga mumŋe, akaɗa mumŋe; kana ucanamatira mumŋe, akaɀidza mumŋe; hamuŋgaɓatiri Mŋari neFuma.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Hakuna muranda angagona kushandira vatenzi vaviri. Nokuti achavenga mumwe agoda mumwe, kana kuti achanamatira kuno mumwe uye agozvidza mumwe. Hazvigoni kuti ushandire Mwari nepfuma.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Hapana muranda anogona kushandira vatenzi vaviri nokuti anogona kuvenga mumwe achida mumwe kana kuti kwati kwati nomumwe achishora mumwe wacho. Haugoni kushandira Mwari uye mari.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Hakuna muranda angagona kushandira vatenzi vaviri, nokuti achavenga mumwe, akada mumwe; kana achinamatira mumwe, akazvidza mumwe; hamungashandirii Mwari nePfuma.”
Shona 2009?
Hakuna muranda ungagona kubatira vanatenzi vaviri; nokuti zvimwe uchavenga mumwe, akada mumwe; kana kuti uchanamatira kunomumwe, akazvidza mumwe. Hamungabatiri Mwari naMamona*.
Shona SUB 2002 Bible
“Hakuna muranda angagona kushandira vatenzi vaviri, nokuti achavenga mumwe, akada mumwe; kana achinamatira mumwe, akazvidza mumwe; hamungashandirii Mwari nepfuma.”