Luke 16:15 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akati kwaʋari: Imi munoɀiruramisa pamberi paʋanhu, asi Mŋari unoziʋa mŋoyo yenyu; nokuti iɀo ɀinokudzwa pakati paʋanhu, ɀinonyaŋgadza pamberi paMŋari.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Iye akati kwavari, “Imi munozviruramisira pamberi pavanhu, asi Mwari anoziva mwoyo yenyu. Zvinhu zvinokudzwa pakati pavanhu zvinonyangadza pamberi paMwari.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi akati kwavari, “Imika ndimi munozviita vakanaka pamberi pavanhu asi Mwari anoziva mwoyo yenyu nokuti chinorumbidzwa navanhu chinosemesa pana Mwari.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akati kwavari, “Imi munozviruramisa pamberi pavanhu, asi Mwari anoziva mwoyo yenyu; nokuti izvo zvinokudzwa pakati pavanhu, zvinonyangadza pamberi paMwari.
Shona 2009?
Zvino wakati kwavari: Imwi muri avo vanozviruramisa pamberi pavanhu, asi Mwari unoziva moyo yenyu; nokuti izvo zvinokudzwa pakati pavanhu, zvinonyagadza pamberi paMwari.
Shona SUB 2002 Bible
Akati kwavari, “Imi munozviruramisa pamberi pavanhu, asi Mwari anoziva mwoyo yenyu; nokuti izvo zvinokudzwa pakati pavanhu, zvinonyangadza pamberi paMwari.