Luke 16:18 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mumŋe nomumŋe unorasha mukadzi wake, akawana mumŋe, unoita ʋupombge; ʋuye mumŋe nomumŋe unowana wakarashwa nomurume, unoita ʋupombge.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Ani naani anoramba mukadzi wake akawana mumwe mukadzi anoita upombwe, uye murume anowana mukadzi akarambwa anoita upombwe.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ani naani anoramba mukadzi wake achiroora mumwe anoita upombwe. Nouyowo anoroora mukadzi akarambwa nomurume wake anoita upombwe.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Mumwe nomumwe anoramba mukadzi wake, akawana mumwe, anoita upombwe; uye mumwe nomumwe anowana wakarambwa nomurume, anoita upombwe.
Shona 2009?
Ani nani unoramba mukadzi wake akawana mumwe unoita vupombwe; uye ani nani unowana wakarambwa nomurume unoita vupombwe.
Shona SUB 2002 Bible
“Mumwe nomumwe anoramba mukadzi wake, akawana mumwe, anoita upombwe; uye mumwe nomumwe anowana wakarambwa nomurume, anoita upombwe.