Luke 16:19 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mumŋe mufumi wakaŋga ari’po, waipfeka ŋguʋo tȿuku nemiceka yakanaka, nokufarira ɀakaiȿo‐naka misi yose.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Paiva nomumwe murume mupfumi aipfeka nguo dzepepuru nomucheka wakaisvonaka uye aigara upenyu hwakaisvonaka mazuva ose.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Kwaiva nomumwe murume mupfumi aipfeka hanzu dzoruvara rwehute nedzerineni yakanakisisa achidyiririra zvikuru zuva nezuva.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Mumwe mupfumi akanga aripo, aipfeka nguo tsvuku nemicheka yakanaka, nokufarira zvakaisvonaka misi yose.
Shona 2009?
Kwakanga kune mumwe murume mufumi, waipfeka nguvo shava nemicheka yerineni yakanaka, nokufara paumbosha misi yose.
Shona SUB 2002 Bible
“Mumwe mupfumi akanga aripo, aipfeka nguo tsvuku nemicheka yakanaka, nokufarira zvakaisvonaka misi yose.