Luke 16:2 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo akamuɗana, akati kwaari: Iɀi ɀandinonzwa pamsoro pako ndeɀeiko? Ciɀiɗaʋirira pamsoro poʋutariri bgako; nokuti hauŋgazoʋi mutariri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Saka iye akamudana uye akamubvunza achiti, ‘Zviiko izvi zvandiri kunzwa pamusoro pako? Zvidavirire pamusoro poutariri hwako, nokuti haungarambi uri mutariri.’
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akamudaidza akamuti, ‘Chii ichi chandiri kunzwa nezvako? Ndipire nezveutariri hwako ndinzwe nokuti hauchavi mutaririzve.’
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo akamudana, akati kwaari, ‘Izvi zvandinonzwa pamusoro pako ndezveiko? Chizvidavirira pamusoro pohutariri hwako; nokuti haungazovi mutariri.’
Shona 2009?
Ipapo akamudana, akati kwaari: Zvinyiko izvi zvandinonzwa pamusoro pako? Rondedzera pamusoro povutariri bwako; nokuti haungazovi mutaririzve.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo akamudana, akati kwaari, ‘Izvi zvandinonzwa pamusoro pako ndezveiko? Chizvidavirira pamusoro pohutariri hwako; nokuti haungazovi mutariri.’