Luke 16:21 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
aciɗa kuɀigutisa neɀaiwa patafura romufumi; kunyaŋge nembga dzaiʋuya dzicinanɀa maronda ake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
uye achipanga hake kudya zvimedu zvaiwa patafura yomupfumi. Kunyange imbwa dzaiuya dzichinanzva maronda ake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Aida kudya zvaidonha pateburu yomupfumi, uye imbwawo dzaiuya dzichimunanzva maronda ake.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
achida kuzvigutisa nezvaidonhera patafura romupfumi; kunyange nembwa dzaiuya dzichinanzva maronda ake.
Shona 2009?
achishuva kuzvigutisa nemafufu aiwa patafura yomufumi; pamusoro pazvo, imbwa dzaivuya dzichinanzwa maronda ake.
Shona SUB 2002 Bible
achida kuzvigutisa nezvaidonhera patafura romupfumi; kunyangwe nembwa dzaiuya dzichinanzva maronda ake.