Luke 16:22 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino murombo wakati afa, ʋatumŋa ʋakamuisa pacifuʋa caAbrahama. Mufumi akafa ʋo, akaʋigwa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Nguva yokufa kwomupemhi yakati yasvika vatumwa vakamutora vakamuendesa pachipfuva chaAbhurahama. Mupfumi akafawo akavigwa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Murombo uya akafa akatakurwa navatumwa kunzvimbo yepedyo pedyo nechipfuva chaAbhurahamu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Zvino murombo akati afa, vatumwa vakamuisa pachipfuva chaAbhurahamu. Mupfumi akafawo, akavigwa.
Shona 2009?
Zvino zvakaitika kuti murombo wakafa, akatakurirwa navatumwa pachifuva chaAbhurahamu; mufumi akafavo, akavigwa.
Shona SUB 2002 Bible
“Zvino murombo akati afa, vatumwa vakamuisa pachipfuva chaAbhurahamu. Mupfumi akafawo, akavigwa.