Luke 16:23 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ari paHadesi, ari pakurwadziwa, akatarira kumsoro, akaʋona Abrahama ari kure, naRazaro ari pacifuʋa cake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ari mugehena, umo maairwadziwa, akatarisa kumusoro akaona Abhurahama ari kure, naRazaro ari pachipfuva chake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mupfumi uya akafawo akandovigwa. Ari munzvimbo yavakafa achirwadziwa, akasimudza musoro akaona Abhurahamu ari kure kure aina Razaro pedyo pedyo nechipfuva chake.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino ari muHadhesi, ari pakurwadziwa, akatarira kumusoro, akaona Abhurahamu ari kure, naRazaro ari pachipfuva chake.
Shona 2009?
Zvino ari muhadhesi wakasimudza meso ake, ari pakurwadziwa, akavona Abhurahamu ari kure, naRazaro ari pachifuva chake.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino ari muHadhesi, ari pakurwadziwa, akatarira kumusoro, akaona Abhurahamu ari kure, naRazaro ari pachipfuva chake.