Luke 16:24 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akaɗanidzira, akati: Ƃaɓa Abrahama, ndinzwirei ŋgoni; tumai Razaro, kuti anyike muromo womunwe wake mumvura, atonhodze rurimi rwaŋgu, nokuti ndinorwadziwa nomuraɀo uyu womŋoto.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Saka akadanidzira kwaari achiti, ‘Baba Abhurahama, ndinzwirei ngoni mugotuma Razaro kuti anyike muromo womunwe wake mumvura atonhodze rurimi rwangu, nokuti ndiri kurwadziwa kwazvo mumoto muno.’
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akadanidzira achiti, ‘Baba Abhurahamu ndinzwirei tsitsi mutume Razaro kundonyika muromo womunwe wake mumvura atonhodze rurimi rwangu nokuti ndiri kurwadziwa murimi iri romoto.’
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akadanidzira, akati, ‘Baba Abhurahamu, ndinzwirei ngoni; tumai Razaro, kuti anyike muromo womunwe wake mumvura, atonhodze rurimi rwangu, nokuti ndinorwadziwa nomurazvo uyu womoto.’
Shona 2009?
Iye akadanidzira achiti: Baba Abhurahamu, ndinzwirei ngoni, mutume Razaro, kuti anyike muromo womumwe wake mumvura, atonhodze rurimi rwangu; nokuti ndinorwadziwa mumurazvo uyu womoto.
Shona SUB 2002 Bible
Akadanidzira, akati, ‘Baba Abhurahamu, ndinzwirei ngoni; tumai Razaro, kuti anyike muromo womunwe wake mumvura, atonhodze rurimi rwangu, nokuti ndinorwadziwa nomurazvo uyu womoto.’