Luke 16:25 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Abrahama akati: Mŋana, fuŋga kuti wakapiwa ɀakanaka ɀako paʋupenyu bgako; naRazaro, saiɀoɀo wakapiwa ɀakaipa; asi ɀino iye unonyaradzwa pano, iwe unorwadziwa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Asi Abhurahama akapindura akati, ‘Mwanakomana, rangarira kuti pamazuva oupenyu hwako wakagamuchira zvinhu zvako zvakanaka, panguva iyoyo Razaro akagamuchira zvinhu zvakaipa, asi zvino ari kunyaradzwa pano, uye iwe uri kurwadziwa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Abhurahamu akati, ‘Mwanangu yeuka kuti panguva youpenyu hwako wakagamuchira zvinhu zvakanaka. Ndizvozvowo zvimwechetezvo naRazaro, akawana zvakaipa; asi zvino ari kunyaradzwa kuno iwe uri mukurwadziwa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Abhurahamu akati, ‘Mwana, funga kuti wakapiwa zvakanaka zvako muupenyu hwako; naRazaro, saizvozvo akapiwa zvakaipa; asi zvino iye anonyaradzwa pano, iwe unorwadziwa.
Shona 2009?
Asi Abhurahamu wakati: Mwanakomana, rangarira kuti muupenyu bwako wakapiwa zvakanaka zvako, saizvozvo naRazaro zvakaipa; asi zvino iye unonyaradzwa, iwe unorwadziwa.
Shona SUB 2002 Bible
Abhurahamu akati, ‘Mwana, funga kuti wakapiwa zvakanaka zvako muupenyu hwako; naRazaro, saizvozvo akapiwa zvakaipa; asi zvino iye anonyaradzwa pano, iwe unorwadziwa.