Luke 16:26 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋuye paɀinhu iɀi ɀose, mukaha mukuru wakaiswa pakati peɗu nemi, kuti ʋoʋuno ʋanoɗa kuenda mhiri kwamuri, ʋakoniwe, noʋo’ko ʋarege kuyambukira kwatiri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uye pamusoro paizvozvo zvose, pano mukaha mukuru wakaiswa pakati pedu newe, kuitira kuti vanoda kubva kuno kuti vauye ikoko vakonewe, uye hakuna munhu angayambuka achibva ikoko achiuya kwatiri.’
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Handizvo chete, pakati pedu nemi pakaiswa zigoronga kuti vanoda kuyambukira kwamuri vachibva kuno vakundike uye kuti pashaye anoyambuka achibva ikoko achiuya kwatiri.’
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Uye pazvinhu izvi zvose, mukaha mukuru wakaiswa pakati pedu nemi, kuti vokuno vanoda kuenda mhiri kwamuri, vakoniwe, nowoko varege kuyambukira kwatiri.’
Shona 2009?
Uye kunze kwezvinhu izvi zvose, pakati pedu pane mukaha mukuru wakaiswa, kuti vovuno vanoda kuyambuka mhiri kwamuri vakonewe, novoko varege \add kuyambukira\add* kwatiri.
Shona SUB 2002 Bible
Uye pazvinhu izvi zvose, mukaha mukuru wakaiswa pakati pedu nemi, kuti vokuno vanoda kuenda mhiri kwamuri, vakoniwe, novoko varege kuyambukira kwatiri.’