Luke 16:3 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino mutariri akati mumŋoyo make: Ndicaiteiko, ishe waŋgu ɀowonditorera ʋutariri bgaŋgu? Handinesimba rokurima naro; kukumbira ndinonyara.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Mutariri akafunga nechomumwoyo make akati, ‘Zvino ndichaiteiko? Tenzi wangu ava kunditorera basa rangu. Handina simba rokurima, uye ndinonyara kupemha;
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mutariri uya akazviti ndichaita sei Tenzi wangu zvaava kundibvisa pautariri? Simba rokutimba handina uye kukumbira ndinonyara.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino mutariri akati mumwoyo make, ‘Ndichaiteiko, ishe wangu zvaanditorera hutariri hwangu? Handina simba rokurima naro; kukumbira ndinonyara.
Shona 2009?
Zvino mutariri akati mumoyo make: Ndichaiteiko, ishe wangu zvowonditorera vutariri? Handigoni kuchera; kukumbira ndinonyara.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino mutariri akati mumwoyo make, ‘Ndichaiteiko, ishe wangu zvaanditorera hutariri hwangu? Handina simba rokurima naro; kukumbira ndinonyara.