Luke 16:6 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Iye akati: Makate anezana amafuta. Akati kwaari: Tora runyoro rwako, gara pasi pakarepo, unyore makumi mashanu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Akapindura achiti, ‘Zviero zana zvamafuta omuorivhi.’ “Mutariri akati kwaari, ‘Tora tsamba yako, ugare pasi nokukurumidza, unyore makumi mashanu.’
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akati kune wokutanga, ‘Une chikwereti chakadii kuna Tenzi wangu?’ Iye akati, ‘Ndine zana remigomo yamafuta.’ Akati kwaari, ‘Tora katsamba kechikwereti chako ugare pasi nokuchimbidza unyore makumi mashanu.’
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Iye akati, ‘Makate ane zana amafuta.’ Akati kwaari, ‘Tora runyoro rwako, gara pasi pakarepo, unyore makumi mashanu.’
Shona 2009?
Iye akati; Zviyero zvinezana zvamafuta. Akati kwaari: Tora rugwaro rwako ugare pasi nokukurumidza, unyore makumi mashanu.
Shona SUB 2002 Bible
Iye akati, ‘Makate ane zana amafuta.’ Akati kwaari, ‘Tora runyoro rwako, gara pasi pakarepo, unyore makumi mashanu.’