Luke 16:9 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndinoti kwamuri: Muɀiitire shamŋari neFuma isakarurama, kuti, kana yapera, ʋakugamucirei mudzimba dzisiŋgaperi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndinoti kwamuri, ‘Shandisai pfuma yenyika kuti muzviwanire shamwari, kuitira kuti painopera, mugozogamuchirwa mudzimba dzisingaperi.’
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndinokutii, ‘Itai ushamwari muchishandisa mari isina zvayo kururama kuti kana yopera vakugamuchirei mudzimba dzokugara nokusingaperi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ndinoti kwamuri, “Muzviitire shamwari nepfuma isakarurama, kuti, kana yapera, vakugamuchirei mudzimba dzisingaperi.
Shona 2009?
Zvino ndinoti kwamuri: Muzviitire ushamwari naMamona* usakarurama, kuti kana mokonewa, vakugamuchirei mudzimba dzokusingaperi.
Shona SUB 2002 Bible
Ndinoti kwamuri, “Muzviitire shamwari nepfuma isakarurama, kuti, kana yapera, vakugamuchirei mudzimba dzisingaperi.