Luke 17:1 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino wakati kuʋadzidzi ʋake: Haɀiŋgaitiki kuti ɀigumbuso ɀisaʋuya. Asi unenhamo iye waɀinoʋuya naye.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jesu akati kuvadzidzi vake, “Zvinhu zvinoita kuti vanhu vatadze zvinototi zviuye, asi ane nhamo munhu uyo anouya nazvo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jesu akati kuvadzidzi vake, “Zvinokonzera vamwe kuita zvakaipa hazvimborega kuvapo. Asi zvichamuwana iye anozviunza.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino akati kuvadzidzi vake, “Hazvingaitiki kuti zvigumbuso zvisauya. Asi ane nhamo iye azvinouya naye.
Shona 2009?
Zvino wakati kuvadzidzi: Hazvingaitiki kuti zvigumbuso zvisavuya; asi vurombo \add kune\add* wazvinovuya naye.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino akati kuvadzidzi vake, “Hazvingaitiki kuti zvigumbuso zvisauya. Asi ane nhamo iye wazvinouya naye.