Luke 17:10 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Saiɀoɀo nemi ʋo, kana maita ɀose ɀamarairwa, muti: Tiri ʋaranda pasina, takaita seɀataifanira kuita.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Saka nemiwo, pamunenge maita zvose zvamakaudzwa kuti muite, munofanira kuti, ‘Tiri varanda vasina maturo; tangoita zvatanga tichifanira kuita.’ ”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Nemiwo, kana maita zvamunenge maudzwa itii, ‘Tiri varanda vasingakodzeri. Tangoita zvatinofanira kuita.’ ”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Saizvozvo nemiwo, kana maita zvose zvamarayirwa, muti, ‘Tiri varanda pasina, takaita sezvataifanira kuita.’ ”
Shona 2009?
Saka saizvozvo imwi, kana maita zvose zvamakarairwa, muti: Tiri varanda pasina, taita sezvataifanira kuita.
Shona SUB 2002 Bible
“Saizvozvo nemiwo, kana maita zvose zvamarayirwa, muti, ‘Tiri varanda pasina, takaita sezvataifanira kuita.’ ”