Luke 17:20 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino wakati acibvunzwa naFarise kuti ʋushe bgaMŋari bgunoȿika rini, akapindura, akati: Ʋushe bgaMŋari habguʋuyi bguciʋonekwa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akati abvunzwa navaFarisi kuti umambo hwaMwari hwaizosvika riini, Jesu akapindura akati, “Umambo hwaMwari hahuuyi nokunyatsocherechedza kwenyu,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jesu paakabvunzwa navaFarisei kuti umambo hwaMwari huchasvika rini, akavapindura achiti, “Umambo hwaMwari hausi kuuya nezviratidzo zvinoonekwa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino akati achibvunzwa naFarisi kuti ushe hwaMwari hunosvika rini, akapindura, akati, “Ushe hwaMwari hahuuyi huchionekwa.
Shona 2009?
Zvino wakati achibvunzwa navaFarisi kuti ushe bwaMwari bwunosvika rinhi, akapindura, akati: Ushe bwaMwari habwuvuyi bwuchivonekwa.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino akati achibvunzwa navaFarisi kuti ushe hwaMwari hunosvika rini, akapindura akati, “Ushe hwaMwari hahuuyi huchionekwa.