Luke 17:37 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo ʋakapindura, ʋakati kwaari: Ipiko, Ishe? Akati kwaʋari: Apo panomutumbu, ndi’po panoʋuŋganira ʋo magora.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vakamubvunza vakati, “Kupiko Ishe?” Akapindura akati, “Pano mutumbi, ndipo panoungana magora.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vakati kwavari, “Kuri kupiko ikoko nhai Tenzi?” Iye akati, “Pane chitunha magora ndipo panoungana.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo vakapindura, vakati kwaari, “Ipiko, Ishe?” Akati kwavari, “Apo pano mutumbi, ndipo panounganirawo magora.”
Shona 2009?
Ipapo vakapindura, vakati, kwaari: Kupiko Ishe? Akati kwavari: Panomutumbi, ndipo panovunganira magora.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo vakapindura, vakati kwaari, “Ipiko, Ishe?” Akati kwavari, “Apo pano mutumbi, ndipo panounganirawo magora.”