Luke 17:6 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ishe akati: Kana maiʋa nokutenda kwakaita setsaŋga yemastarda, maiti kumuʋonde uyu: Dzurwa, usimŋe muguŋgwa! ucakutererai.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Iye akati, “Kana muno kutenda kuduku duku setsanga yemasitadhi, munogona kuti kumuti womuonde uyu, ‘Dzurwa usimwe mugungwa,’ uye uchakuteererai.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Tenzi akati, “Dai muine chitendero chakaita setsanga yemasitadhi, maigona kuti kumuonde uyu dzipuka undosimwa mugungwa uchikuteererai.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ishe akati, “Kana maiva nokutenda kwakaita setsanga yemasitadhi, maiti kumuonde uyu, ‘Dzurwa, usimwe mugungwa!’ Uchakuteererai.
Shona 2009?
Ishe akati: Kana maiva nokutenda kwakaita setsanga yemasitadha, maiti kumuhabhurosi uyu: Dzurwa, usimwe mugungwa, ukakuteererai.
Shona SUB 2002 Bible
Ishe akati, “Kana maiva nokutenda kwakaita setsanga yemasitadhi, maiti kumuonde uyu, ‘Dzurwa, usimwe mugungwa!’ Uchakuteererai.