Luke 17:7 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndiani kwamuri uŋgaʋa nomuranda unorima, kana unofudza makwai, akati kwaari, acibva kumunda: Ʋuya, ugare pakudya?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Ngatitii mumwe wenyu anga aine muranda anorima kana kuti anofudza makwai. Angati here kumuranda paanopinda achibva kumunda, ‘Uya pano iye zvino ugare pasi udye’?
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Pane mumwe wenyu here ano muranda anenge achirima kana kufudza hwai, angati kwaari kana abva kumunda, ‘Chibva wauya ugare pakudya?’
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Ndiani kwamuri angava nomuranda anorima, kana anofudza makwai, akati kwaari, achibva kumunda, Uya, ugare pakudya?
Shona 2009?
Asi ndiani kwamuri ungava nomuranda unorima kana kufudza mombe, ungati kwaari achangopinda achibva kumunda: Swedera ugare pakudya.
Shona SUB 2002 Bible
“Ndiani kwamuri angava nomuranda anorima, kana anofudza makwai, akati kwaari, achibva kumunda, Uya, ugare pakudya?