Luke 17:8 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Handiti uŋgati kwaari: Ndigadzirire ɀokudya, uɀisuŋge ciʋuno, undishandire, kuȿikira ini ndadya, ndikanwa; iwe ugozodya, nokunwa?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ko, haangati here, ‘Ndigadzirire chokudya changu, uzvigadzirire iwe ugondimirira pandinenge ndichidya nokunwa; shure kwaizvozvo iwe ungazodya hako nokunwa’?
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Haasi anototi here, ‘Ndigadzirire chokudya chamanheru upfeke undiperekere, kusvikira ndadya ndikanwa, iwe wozodyawo nokunwa mushure macho?’
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Handiti angati kwaari, ‘Ndigadzirire zvokudya, uzvisunge chiuno, undishandire, kusvikira ini ndadya, ndikanwa; iwe ugozodya, nokunwa?’
Shona 2009?
Asi ungarega here kuti kwaari: Ndigadzirire zvandingadya, uzvisunge chivuno, undipakurire, kusvikira ini ndadya, ndikamwa; mushure iwe ugozodya nokumwa?
Shona SUB 2002 Bible
“Handiti angati kwaari, ‘Ndigadzirire zvokudya, uzvisunge chiuno, undishandire, kusvikira ini ndadya, ndikanwa; iwe ugozodya, nokunwa?’