Luke 18:11 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
MuFarise akandomira, akanyeŋgetera kuɗai, aciɀireʋa, akati: Ndinokutendai Mŋari, kuti handina‐kufanana naʋamŋe ʋanhu, makororo, ʋasakarurama, mhombge, kana nomuteresi uyo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
MuFarisi akasimuka akazvinyengeterera achiti, ‘Mwari, ndinokuvongai nokuti handina kufanana navamwe vanhu, makororo, vaiti vezvakaipa, mhombwe, kana kunyange muteresi uyu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
MuFarisei akamira akanamata nechomumwoyo achiti, ‘Mwari ndinokutendai nokuti handina kuita savamwe vanhu, vapambi, vasina ruenzaniso, nemhombwe kana somuteresi uyu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
MuFarisi akandomira, akanyengetera kudai, achizvireva, akati, ‘Ndinokutendai Mwari, kuti handina kufanana navamwe vanhu, makororo, vasakarurama, mhombwe, kana nomuteresi uyo.
Shona 2009?
MuFarisi wakasimuka akanyengetera kudai achizvireva, \add akati\add*: Mwari ndinokutendai kuti handina kufanana navamwe vanhu, makororo, vasakarurama, mhombwe, kana kunyange nomuteresi uyu.
Shona SUB 2002 Bible
MuFarisi akandomira, akanyengetera kudai, achizvireva, akati, ‘Ndinokutendai Mwari, kuti handina kufanana navamwe vanhu, makororo, vasakarurama, mhombwe, kana nomuteresi uyo.