Luke 18:14 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndinoti kwamuri: Uyu wakaɓurukira kumba kwake aruramiswa kupfuʋura uya. Nokuti mumŋe nomumŋe, unoɀikudza, ucaninipiswa, nomumŋe nomumŋe, unoɀininipisa ucakudzwa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Ndinokuudzai kuti munhu uyu, akadzokera kumba kwake aruramiswa pamberi paMwari kupinda muFarisi. Nokuti mumwe nomumwe anozvikudza achaninipiswa, uye uyo anozvininipisa achakudzwa.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndinokutaurirai kuti murume uyu akaenda kumba kwake aruramiswa panze pomumwe uya. Nokuti munhu wose anozvikudza achadukupiswa asi uyo anozvidukupisa anokudzwa.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ndinoti kwamuri, “Uyu akaburukira kumba kwake aruramiswa kupfuura uya. Nokuti mumwe nomumwe, anozvikudza, achaninipiswa, nomumwe nomumwe, anozvininipisa achakudzwa.”
Shona 2009?
Ndinoti kwamuri: Uyu wakaburukira kumba kwake aruramiswa pane uya. Nokuti mumwe nomumwe unozvikudza, uchaninipiswa uye uyo unozvininipisa uchakudzwa.
Shona SUB 2002 Bible
Ndinoti kwamuri, “Uyu akaburukira kumba kwake aruramiswa kupfuura uya. Nokuti mumwe nomumwe, anozvikudza, achaninipiswa, nomumwe nomumwe, anozvininipisa achakudzwa.”