Luke 18:22 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Jesu aciɀinzwa, akati kwaari: Unoshaiwa cinhu cimŋe cete; teŋgesa ɀose ɀaunaɀo, upe ʋarombo, uʋe nefuma kuɗeŋga; ugoʋuya, unditeʋere.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jesu akati achinzwa izvi, akati kwaari, “Uchiri kushayiwa chinhu chimwe chete. Tengesa zvose zvaunazvo ugopa varombo, ugozova nepfuma kudenga. Ipapo, ugouya unditevere.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jesu paakazvinzwa akati kwaari, “Pane chinhu chimwechete chausina. Tengesa zvose zvaunazvo uzvigovere kuvarombo. Uchava noupfumi kudenga; ugouya ozonditevera.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Jesu achizvinzwa, akati kwaari, “Unoshayiwa chinhu chimwechete; tengesa zvose zvaunazvo, upe varombo, uve nepfuma kudenga; ugouya, unditevere.”
Shona 2009?
Zvino Jesu wakati achinzwa zvinhu izvi, akati kwaari: Uchiri kushaiwa chinhu chimwe; tengesa zvose zvaunazvo, ugovere varombo, ipapo uchava nefuma yakakosha kudenga; ugovuya wonditevere.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Jesu achizvinzwa, akati kwaari, “Unoshayiwa chinhu chimwechete; tengesa zvose zvaunazvo, upe varombo, uve nepfuma kudenga; ugouya, unditevere.”