Luke 18:31 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino wakatora ʋanegumi naʋaʋiri, akati kwaʋari: Tarirai, tinokwira Jerusarema, Mŋanakomana womunhu ucaitirwa ɀose ɀakanyorwa naʋaprofita.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jesu akatsaura parutivi vane gumi navaviri akavaudza kuti, “Tiri kuenda kuJerusarema, uye zvose zvakanyorwa navaprofita pamusoro poMwanakomana woMunhu zvichazadziswa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jesu akatora vane gumi navaviri akati kwavari, “Chinzwai, tavakukwira kuJerusaremu. Zvose zvakanyorwa navaporofita nezveMwanakomana womunhu zvichazadziswa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino akatora vane gumi navaviri, akati kwavari, “Tarirai, tinokwira Jerusaremu, Mwanakomana womunhu achaitirwa zvose zvakanyorwa navaporofita.
Shona 2009?
Zvino wakatora vanegumi navaviri, akati kwavari: Tarirai, tinokwira Jerusarema, zvose zvakanyorwa navaporofita pamusoro pomwanakomana womunhu zvichazadziswa.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino akatora vane gumi navaviri, akati kwavari, “Tarirai, tinokwira Jerusaremu, Mwanakomana womunhu achaitirwa zvose zvakanyorwa navaporofita.