Luke 18:4 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Iye akamboramba ŋguʋa; asi pashure akati mumŋoyo make: Kunyaŋge ndisiŋgatyi Mŋari, kana kuʋa nehanya nomunhu;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Kwechinguva akamboramba. Asi pakupedzisira akati mumwoyo make, ‘Kunyange dai ndisingatyi Mwari uye ndisina hanya navanhu,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kwechinguva chakati kuti akamboramba. Mushure mezvo akazozviti, ‘Kunyange zvazvo ndisingatyi Mwari kana kuzeza munhu
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Iye akamboramba nguva; asi pashure akati mumwoyo make, ‘Kunyange ndisingatyi Mwari, kana kuva nehanya nomunhu;
Shona 2009?
Iye akamboramba kwechinguva; asi pashure akati mumoyo make: Kunyange ndisingatyi Mwari, kana kunyara munhu;
Shona SUB 2002 Bible
Iye akamboramba nguva; asi pashure akati mumwoyo make, ‘Kunyangwe ndisingatyi Mwari, kana kuva nehanya nomunhu;