Luke 19:11 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋakati ʋacanzwa iɀoɀo, akawedzera akataura mumŋe mufananidzo, nokuti wakaŋga aʋa pedyo neJerusarema, iʋo ʋakati ʋushe bgaMŋari bgobva bgoʋonekwa pakarepo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Pavakanga vachiri kuteerera izvozvo, akaenderera mberi achivaudza mufananidzo, nokuti akanga ava pedyo neJerusarema uye vanhu vakafunga kuti umambo hwaMwari hwaizokurumidza kuonekwa pakarepo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pavakanga vakateerera zvinhu izvi, akaenderera mberi achivapa muenzaniso nokuti akanga ava pedyo neJerusaremu uye nokuti vakanga vachifunga kuti umambo hwaMwari hwakanga hwava kuda kutoonekwa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vakati vachinzwa izvozvo, akawedzera akataura mumwe mufananidzo, nokuti akanga ava pedyo neJerusaremu, ivo vakati ushe hwaMwari hwobva hwoonekwa pakarepo.
Shona 2009?
Vakati vachanzwa zvinhu izvozvi, akawedzera akataura mufananidzo, nokuti wakanga ava pedo neJerusarema, uye nokuti vaifunga kuti ushe bwaMwari bwobva bwovonekwa pakarepo.
Shona SUB 2002 Bible
Vakati vachinzwa izvozvo, akawedzera akataura mumwe mufananidzo, nokuti akanga ava pedyo neJerusaremu, ivo vakati ushe hwaMwari hwobva hwoonekwa pakarepo.