Luke 19:15 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino wakati adzoka kuya kwaakaŋga andopiwa ʋushe, akaraira kuti ʋaya ʋaranda ʋaakaŋga apa mari, ʋaɗanirwe kwaari, anzwe kuti mumŋe nomumŋe wakawanei nokushambadzira kwake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Akandogadzwa kuti ave mambo, kunyange zvakadaro, akadzoka kumusha. Ipapo akatuma shoko kuvaranda vaakanga apa mari, achida kuziva zvavakanga vawana nayo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Paakadzoka apiwa umambo huya akati varanda vake vaakanga apa mari iya vadaidzwe kwaari kuti azive kuti mumwe nomumwe akanga awanei nemhindu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Zvino akati adzoka kuya kwaakanga andopiwa ushe, akarayira kuti vaya varanda vaakanga apa mari, vadanirwe kwaari, anzwe kuti mumwe nomumwe akawanei nokushambadzira kwake.
Shona 2009?
Zvino zvakaitika kuti adzoka apiwa ushe, akaraira kuti vaya varanda vaakanga apa mari, vadanirwe kwaari, anzwe kuti mumwe nomumwe wakawana zvakadini nokushambadzira kwake.
Shona SUB 2002 Bible
“Zvino akati adzoka kuya kwaakanga andopiwa ushe, akarayira kuti vaya varanda vaakanga apa mari, vadanirwe kwaari, anzwe kuti mumwe nomumwe akawanei nokushambadzira kwake.