Luke 19:17 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akati kwaari: Ɀakanaka, muranda wakanaka; ɀawakaŋga wakatendeka paɀiɗuku‐ɗuku, uɓate maguta anegumi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Tenzi wake akati, ‘Zvakanaka, muranda wangu akanaka! Nokuti wanga wakatendeka pazvinhu zviduku duku, uchatonga pamusoro pamaguta gumi.’
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Iye akati kwaari, ‘Hauchionaka muranda wakanaka! Pamusana pokuti wakatendeka muzvinhu zvidikidiki kudai uchatonga maguta gumi.’
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Akati kwaari, ‘Zvakanaka, muranda wakanaka; zvawakanga wakatendeka pazviduku-duku, ubate maguta ane gumi.’
Shona 2009?
Akati kwaari: Zvakanaka, uri muranda wakanaka; nokuti wakanga wakatendeka pazviduku-duku, uve nesimba pamaguta anegumi.
Shona SUB 2002 Bible
“Akati kwaari, ‘Zvakanaka, muranda wakanaka; zvawakanga wakatendeka pazviduku–duku, ubate maguta ane gumi.’