Luke 19:21 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti ndakaŋga ndicikutyai, ɀamuri munhu unehasha, munotora ɀamusakaisa’po, munoceka ɀamusakakusha.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndakanga ndichikutyai, nokuti muri munhu ano mwoyo wakaoma. Munotora zvamusina kuisapo nokukohwa zvamusina kudyara.’
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
nokuti ndaikutyai nokuti muri munhu akaomarara. Munonhonga chamusina kuisa pasi, muchikohwa chamusina kudyara.’
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti ndakanga ndichikutyai, zvamuri munhu ane hasha, munotora zvamusakaisapo, munocheka zvamusakakusha.’
Shona 2009?
nokuti ndakanga ndichikutyai, nokuti muri munhu wakawoma munotora zvamusakaisapo, muchicheka zvamusakadzvara.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti ndakanga ndichikutyai, zvamuri munhu ane hasha, munotora zvamusakaisapo, munocheka zvamusakakusha.’