Luke 19:22 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akati kwaari: Ndicakutoŋga namashoko ako amene, iwe muranda wakaipa! Wakaŋga uciziʋa kuti ndiri munhu unehasha, ndicitora ɀandisakaisa, ndiciceka ɀandisakakusha;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Tenzi wake akapindura akati, ‘Ndichakutonga namashoko ako pachako, iwe muranda akaipa! Waiziva kuti ndiri munhu ane mwoyo wakaoma, ndinotora zvandisina kuisapo, nokukohwa zvandisina kudyara?
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akati kwaari, ‘Ndinokupa mhosva nezvabva mumuromo mako, iwe muranda akaipa. Heya waitoziva zvako kuti ndiri munhu akaomarara anonhonga chaasina kuisa pasi nokukohwa paasina kudyara,
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akati kwaari, ‘Ndichakutonga namashoko ako amene, iwe muranda wakaipa! Wakanga uchiziva kuti ndiri munhu ane hasha, ndichitora zvandisakaisa, ndichicheka zvandisakakusha;
Shona 2009?
Zvino akati kwaari: Ndichakutonga \add nezvino\add*buda mumuromo mako, muranda wakaipa. Wakanga uchiziva kuti ndiri munhu unehasha, ndichitora zvandisakaisa, nokucheka zvandisakadzvara;
Shona SUB 2002 Bible
Akati kwaari, ‘Ndichakutonga namashoko ako amene, iwe muranda wakaipa! Wakanga uchiziva kuti ndiri munhu ane hasha, ndichitora zvandisakaisa, ndichicheka zvandisakakusha;