Luke 19:26 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndinoti kwamuri: Mumŋe nomumŋe unecinhu, ucapiwa; asi usina, ucatorerwa neɀaanaɀo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Iye akapindura akati, ‘Ndinoti kwamuri, mumwe nomumwe anazvo, achapiwa zvimwe, asi uyo asina, achatorerwa kunyange nechaanacho.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndinokutaurirai kuti munhu wose anazvo achawedzerwa zvimwe asi uyo asina, kunyange chaanenge anacho achachitorerwa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ndinoti kwamuri, ‘Mumwe nomumwe ane chinhu, achapiwa; asi asina, achatorerwa nezvaanazvo.
Shona 2009?
Nokuti ndinoti kwamuri: Wose unazvo uchapiwa; asi uyo usina, uchatorerwa nezvaanazvo.
Shona SUB 2002 Bible
Ndinoti kwamuri, ‘Mumwe nomumwe ane chinhu, achapiwa; asi asina, achatorerwa nezvaanazvo.