Luke 19:30 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
aciti: Endai kumusha wakatarisana nemi; kana mucipinda mauri, mucawana mhuru yemboŋgoro yakasuŋgirwa, isina‐kumbotaȿwa nomunhu; muisunuŋgure, mugoʋuya nayo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Endai kumusha wakatarisana nemi, uye pamunongopindamo, muchawana mwana wembongoro asina kumbotasvwa nomunhu akasungirirwamo. Muisunungure mugouya nayo pano.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Endai mumusha wakatarisana nesu wamunoti kana mavakupindamo muchaona chigondora chedhongi chakasungirirwa chisati chambotaswa nomunhu. Chisinungurei muuye nacho kuno.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
achiti, “Endai kumusha wakatarisana nemi; kana muchipinda mauri, muchawana mhuru yembongoro yakasungirwa, isina kumbotasvwa nomunhu; muisunungure, mugouya nayo.
Shona 2009?
achiti: Endai mumusha wakatarisana \add nemwi\add*; kana muchipinda mauri, muchawana dhongwana rakasungirwa, risina kumbotaswa nomunhu; murisunungure, mugo\add ri\add*vuyisa.
Shona SUB 2002 Bible
achiti, “Endai kumusha wakatarisana nemi; kana muchipinda mauri, muchawana mhuru yembongoro yakasungirwa, isina kumbotasvwa nomunhu; muisunungure, mugouya nayo.