Luke 19:44 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
ʋacakuparadzira pasi, iwe naʋana ʋako mukati mako; haʋaŋgaregi mukati mako ibge rimŋe riri pamsoro perimŋe; nokuti hauna‐kuziʋa ŋguʋa yokushanyirwa kwako.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vachakupwanyira pasi, iwe navana vari mukati mamasvingo ako. Havazongosiyi ibwe pamusoro perimwe nokuti hauna kuziva nguva yokushanyirwa kwako naMwari.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vachakupwatitsira pasi, iwe navana vako vari mauri. Havachazosiya rimwe dombo riri pamusoro perimwe dombo mauri nokuti hauna kuziva nguva yokushanyirwa kwako.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
vachakuparadzira pasi, iwe navana vako mukati mako; havangaregi mukati mako ibwe rimwe riri pamusoro perimwe; nokuti hauna kuziva nguva yokushanyirwa kwako.”
Shona 2009?
vachakuwisira pasi iwe navana vako mukati mako; havangasii mukati mako ibwe rimwe pamusoro perimwe; nokuti hauna kuziva nguva yokushanyirwa kwako.
Shona SUB 2002 Bible
vachakuparadzira pasi, iwe navana vako mukati mako; havangaregi mukati mako ibwe rimwe riri pamusoro perimwe; nokuti hauna kuziva nguva yokushanyirwa kwako.”