Luke 19:5 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Jesu wakati aciȿika’po, akatarira kumsoro, akati kwaari: Zakeo, kurumidza uɓuruke; nokuti nhasi ndinofanira kugara mumba mako.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jesu akati asvika panzvimbo iyoyo, akatarisa kumusoro ndokuti kwaari, “Zakeo, buruka nokukurumidza. Ndinofanira kundogara mumba mako nhasi.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jesu paakasvika panzvimbo iyoyo, akatarisa mudenga akamuti, “Zakeo kurumidza kuburuka nokuti ndinofanira kundogara kumba kwako nhasi.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Jesu akati achisvikapo, akatarira kumusoro, akati kwaari, “Zakeo, kurumidza uburuke; nokuti nhasi ndinofanira kugara mumba mako.”
Shona 2009?
Zvino Jesu wakati achisvika panzvimbo iyo, akatarira mudenga, akamuvona, akati kwaari: Zakewu, kurumidza uburuke; nokuti nhasi ndinofanira kugara mumba mako.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Jesu akati achisvikapo, akatarira kumusoro, akati kwaari, “Zakeo, kurumidza uburuke; nokuti nhasi ndinofanira kugara mumba mako.”