Luke 19:8 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo Zakeo akamira, akati kunaShe: Tarirai, Ishe, ndinopa ʋarombo hafu yefuma yaŋgu, ʋuye kana ndatorera mumŋe cinhu cake nokunyeŋgera, ndinomudzosera ɀaʋa ɀinna.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi Zakeo akasimuka akamira pamberi paShe akati, “Tarirai, Ishe! Pano, uye iye zvino, ndinopa hafu yepfuma yangu kuvarombo, uye kana ndakanyengera ani zvake pachinhu chipi zvacho, ndichadzosera zvava zvina.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zakeo akamirawo achiti kuna Tenzi, “Chionai Tenzi ini ndichapa kuvarombo hafu yezvinhu zvangu. Kana ndakabiridzira munhu chinhu ndichamudzorera kakapetwa kana.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo Zakeo akamira, akati kuna Ishe, “Tarirai, Ishe, ndinopa varombo hafu yepfuma yangu, uye kana ndatorera mumwe chinhu chake nokunyengera, ndinomudzosera zvava zvina.”
Shona 2009?
Ipapo Zakewu akamira, akati kunaShe: Tarirai, hafu yefuma yangu, ndinopa kuvarombo, uye kana ndakatora chinhu kune mumwe munhu nokunyengera, ndinodzosera runa.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo Zakeo akamira, akati kuna Ishe, “Tarirai, Ishe, ndichapa varombo hafu yepfuma yangu, uye kana ndakatorera mumwe chinhu chake nokunyengera, ndichamudzosera zvava zvina.”