Luke 2:15 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋatumŋa ʋakati ʋabva kwaʋari, ʋaenda kuɗeŋga, ʋafudzi ʋakataurirana, ʋaciti: Ŋgatiende heɗu Betrehema, tindoʋona cinhu ici cakaitwa, catakaziʋiswa naShe.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vatumwa vakati vabva kwavari uye vaenda kudenga, vafudzi vakataurirana vachiti, “Handei kuBheterehema tindoona chinhu chaitika ichi, chataudzwa nezvacho naShe.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kuzoti vatumwa vaye vabva pavari, vachienda kudenga, vafudzi vakataurirana vachiti, “Handei kuBheterehemu tindoona zvaitika izvi zvataziviswa naTenzi.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino vatumwa vakati vabva kwavari, vaenda kudenga, vafudzi vakataurirana, vachiti, “Ngatiende hedu Bheterehemu, tindoona chinhu ichi chakaitwa; chatakaziviswa naIshe.”
Shona 2009?
Zvino kwakaitika kuti vatumwa vabva kwavari, vaenda kudenga, vafudzi vakataurirana, vachiti: Ngatiende zvino Bhetirehemu, tindovona chinhu ichi chakaitika, chatakaziviswa naShe.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino vatumwa vakati vabva kwavari, vaenda kudenga, vafudzi vakataurirana, vachiti, “Ngatiende hedu Bhetirehemu, tindoona chinhu ichi chakaitwa; chatakaziviswa naIshe.”