Luke 2:20 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋafudzi ʋakadzokera kwakare, ʋacikudza nokurumbidza Mŋari pamsoro peɀose ɀaʋakanzwa neɀaʋakaʋona, seɀaʋakaŋga ʋaʋudzwa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vafudzi vakadzokera vachikudza nokurumbidza Mwari pamusoro pezvinhu zvose zvavakanga vanzwa uye zvavakaona, zvakanga zvakangoita sezvavakanga vataurirwa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vafudzi vakadzokera vachikudza nokurumbidza Mwari pamusoro pazvose zvavakanga vanzwa nezvavakaona sokuudzwa kwavakaitwa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino vafudzi vakadzokera kwakare, vachikudza nokurumbidza Mwari pamusoro pezvose zvavakanzwa nezvavakaona, sezvavakanga vaudzwa.
Shona 2009?
Zvino vafudzi vakadzokera kwakare, vachikudza nokurumbidza Mwari pamusoro pezvinhu zvose zvavakanga vanzwa nekuvona, sezvavakanga vavudzwa.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino vafudzi vakadzokera kwakare, vachikudza nokurumbidza Mwari pamusoro pezvose zvavakanzwa nezvavakaona, sezvavakanga vaudzwa.