Luke 2:24 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
ʋuye kuɓayira ciɓayiro; seɀaɀakarebga pamurairo waShe, ɀinoti, njiʋa mbiri, kana haŋgaiʋa mbiri ɗuku.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
uye kuti vabayire chibayiro maererano nezvinorehwa muMurayiro waShe zvichinzi: “njiva mbiri kana hangaiwa duku mbiri.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vakaendawo kundopira mupiro wechibayiro chenjiva mbiri kana hangaiwa mbiri diki sokurehwa kwazvakaitwa nomutemo waTenzi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
uye kubayira chibayiro; sezvazvakarehwa pamurayiro waIshe, zvinoti, njiva mbiri, kana hangaiwa mbiri duku.
Shona 2009?
uye vabayire chibayiro sezvazvakarehwa pamurairo waShe, njiva mbiri, kana hangaiwa mbiri duku.
Shona SUB 2002 Bible
uye kubayira chibayiro; sezvazvakarehwa pamurairo waIshe, zvinoti, njiva mbiri, kana hangaiwa mbiri duku.