Luke 2:25 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino, kwakaŋga kunomunhu paJerusarema, wainzi Simeoni; waiʋa munhu wakarurama waiɗa Mŋari, waitarira kunyaradzwa kwaʋaIsraeri; noMŋeya Mutȿene wakaŋga anaye.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino kwakanga kuno murume aiva muJerusarema ainzi Simeoni, akanga akarurama uye aida Mwari. Akanga akamirira kunyaradzwa kwavaIsraeri, uye Mweya Mutsvene waiva pamusoro pake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvino muJerusaremu maiva nomumwe murume ainzi Simeoni. Akanga ari munhu akarurama anotya Mwari, uye akanga achitarisira kunyaradzwa kweIsiraeri. Mweya Mutsvene akanga ari paari.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino, kwakanga kune munhu paJerusaremu, ainzi Simioni; aiva munhu akarurama aida Mwari, aitarira kunyaradzwa kwavaIsiraeri; noMweya Mutsvene wakanga anaye.
Shona 2009?
Zvino tarira, kwakanga kunomunhu muJerusarema, zita rake \add rainzi\add* Simiyoni, ndiyevo munhu waiva akarurama akazvipira kushumira Mwari, akamirira kunyaradzwa kwavaIsraeri, noMweya Mutsvene wakanga uri pamusoro pake.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino, kwakanga kune munhu paJerusaremu, ainzi Simioni; aiva munhu akarurama aida Mwari, aitarira kunyaradzwa kwaVaIsiraeri; noMweya Mutsvene wakanga anaye.