Luke 2:27 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Iye wakaʋuya mutembere noMŋeya; ɀino ʋaɓereki ʋakati ʋaciʋuya nomŋana Jesu, kuti ʋaite naye nomutoʋo womurairo,
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Iye akapinda mutemberi achisundwa noMweya Mutsvene. Vabereki vakati vauya nomwana Jesu kuti vazoita kwaari tsika yaidiwa noMurayiro,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Afemerwa naMweya, akapinda muTemberi. Vabereki zvavakauisa mwana Jesu kuzomuitira zviya zvaigaroitwa zviri muMutemo
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Iye akauya mutemberi achifambirwa noMweya; zvino vabereki vakati vachiuya nomwana Jesu, kuti vaite naye nomutoo womurayiro,
Shona 2009?
Wakapinda mutembere noMweya; zvino vabereki vakati vachivuya nomwana Jesu, kuti vaite pamusoro pake setsika yomurairo,
Shona SUB 2002 Bible
Iye akauya mutemberi achifambirwa noMweya; zvino vabereki vakati vachiuya nomwana Jesu, kuti vaite naye nomutoo womurairo,