Luke 2:34 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo Simeoni akaʋaropafadza, akati kunaMaria, mai ʋake: Tarira, mŋana uyu wakaisirwa kuwa nokumuka kwaʋazhinji pakati paʋaIsraeri, cicaʋa ciratidzo cicarambga;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Simeoni akavaropafadza akati kuna Maria, mai vake, “Mwana uyu achaita kuti kuve nokuwa nokumutswa kwavazhinji muIsraeri, uye achava chiratidzo chicharambwa,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvino Simeoni akavakomborera ndokuti kuna Maria amai vake, “Chinzwai, mwana uyu akasarudzirwa kuputsika nokumuka kwavazhinji muIsiraeri nokuvazve chiratidzo chichapikiswa.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo Simioni akavaropafadzwa, akati kuna Maria, mai vake, “Tarira, mwana uyu akaisirwa kuwa nokumuka kwavazhinji pakati pavaIsiraeri, chichava chiratidzo chicharambwa;
Shona 2009?
Ipapo Simiyoni akavaropafadza, akati kunaMaria mai vake: Tarira, uyu wakaisirwa kuwa nokumuka kwavazhinji pavaIsraeri, nokuva chiratidzo chichapikiswa;
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo Simioni akavaropafadzwa, akati kuna Maria, mai vake, “Tarira, mwana uyu akaisirwa kuwa nokumuka kwavazhinji pakati paVaIsiraeri, chichava chiratidzo chicharambwa;