Luke 2:36 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino kwakaŋga kunaAna ʋo, muprofitakadzi, mukunda waFanueri, worudzi rwaAsheri; (iye wakaŋga acembera kwaɀo, wakaŋga anomurume makore manomŋe kubvira paʋumhandara bgake,
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kwaivawo nomuprofitakadzi, Ana, mwanasikana waFanueri, worudzi rwaAsheri. Akanga akwegura kwazvo; akanga ambogara makore manomwe nomurume wake shure kwokuwanikwa kwake,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kwaivawo nomumwe muporofitakadzi ainzi Ana, mwanasikana waFanuero, wedzinza raAsheri. Iye akanga atokwegura. Akangogara nomurume wake kwamakore manomwe chete kubvira umhandara hwake,
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino kwakanga kuna Anawo, muporofitakadzi, mukunda waFanueri, worudzi rwaAsheri; iye wakanga achembera kwazvo, akanga anomurume makore manomwe kubvira pahumhandara hwake,
Shona 2009?
Zvino kwakanga kuno mumwe Ana muporofitakadzi, mukunda waFanueri, wedzinza raAsheri; iye wakanga akwegura kwazvo, wakanga anomurume makore manomwe kubvira pavumhandara hwake.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino kwakanga kuna Anawo, muporofitakadzi, mukunda waFanueri, worudzi rwaAshuru; iye wakanga achembera kwazvo, akanga ano murume makore manomwe kubvira pahumhandara hwake,