Luke 2:37 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
wakaŋga ari cirikadzi yaiʋa namakore makumi masere namanna), wakaŋga asiŋgabvi mutembere, acishumira Mŋari nokuɀinyima ɀokudya nokukumbira ʋusiku namasikati.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
ipapo akazova chirikadzi kusvikira ava namakore makumi masere namana. Haana kumbobva mutemberi asi akanamata usiku namasikati, achitsanya nokunyengetera.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
ndokuzogara sechirikadzi kusvikira ava namakore makumi masere ana mana. Haaisiyana neTemberi, maaishandira Mwari siku nesikati, nokutsanya nokunamata.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
akanga ari chirikadzi yaiva namakore makumi masere namana, akanga asingabvi mutemberi, achishumira Mwari nokuzvinyima zvokudya nokukumbira usiku namasikati.
Shona 2009?
Iye ari chirikadzi yamakore makumi masere namana, wakanga asingabvi mutembere, achishumira nokutsanya nokunyengetera vusiku namasikati:
Shona SUB 2002 Bible
akanga ari chirikadzi yaiva namakore makumi masere namana, akanga asingabvi mutemberi, achishumira Mwari nokuzvinyima zvokudya nokukumbira usiku namasikati.