Luke 2:43 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋakati ʋapedza mazuʋa, pakudzoka kwaʋo mŋana Jesu akasara Jerusarema, ʋaɓereki ʋake ʋasiŋgaziʋi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mutambo wakati wapera, vabereki vake pavakanga vodzokera kumusha, mukomana Jesu akasara muJerusarema, asi ivo vakanga vasingazvizivi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvino kuzoti mazuva makuru ePasika apera, vodzokera kumusha, mukomana Jesu akasara kuJerusaremu. Vabereki vake havana kuzviziva.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vakati vapedza mazuva, pakudzoka kwavo mwana Jesu akasara Jerusaremu, vabereki vake vasingazivi.
Shona 2009?
vakati mazuva apera, pakudzoka kwavo mwana Jesu akasara Jerusarema, Josefa namai vake vasingazvizivi,
Shona SUB 2002 Bible
Vakati vapedza mazuva, pakudzoka kwavo mwana Jesu akasara Jerusaremu, vabereki vake vasingazivi.