Luke 2:48 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋakati ʋamuʋona, ʋakakatyamara; mai ʋake ʋakati kwaari: Mŋana, watiitireiko ɀakaɗai? Tarira, ɓaɓa ʋako neni takakutȿaka ticicema.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vabereki vake vakati vamuwana, vakashamiswa kwazvo. Mai vake vakati kwaari, “Mwana, waitireiko zvakadai kwatiri? Baba vako neni tanga tichikutsvaka kwazvo.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vabereki vake, pavakamuona vakashamiswa kwazvo. Ipapo amai vake vakati, “Nhai mwanangu, wakaitireiko zvinhu zvakadai kwatiri? Tarisa uone Baba vako neni takatambudzika kwazvo tichikutsvaka.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino vakati vamuona, vakakatyamara; mai vake vakati kwaari, “Mwana, watiitireiko zvakadai? Tarira, baba vako neni takakutsvaka tichichema.”
Shona 2009?
Zvino vakati vamuvona vakakatyamara; mai vake vakati kwaari: Mwana, waitireiko zvakadai kwatiri? Tarira, baba vako neni tanga tichikutsvaka tichishungurudzika.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino vakati vamuona, vakakatyamara; mai vake vakati kwaari, “Mwana, watiitireiko zvakadai? Tarira, Baba vako neni takakutsvaka tichichema.”